Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 15:12-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Sangano rose rakanyarara pavakanga vakateerera kuna Bhanabhasi naPauro vachirondedzera pamusoro pezviratidzo nezvishamiso zvakanga zvaitwa naMwari pakati pavaHedheni kubudikidza navo.

13. Vakati vapedza, Jakobho akapindura achiti. “Hama dzangu, nditeererei.

14. Simoni arondedzera kwatiri kuti pakutanga Mwari akaratidza nyasha dzake sei paakazvitorera vanhu vake kubva kuvaHedheni.

15. Mashoko avaprofita anotenderana naizvozvi, sezvazvakanyorwa zvichinzi:

16. “ ‘Shure kwaizvozvo ndichadzoka ndigozovakazve tende yaDhavhidhi yakawa.Ndichavakazve matongo ayo,uye ndichaivandudzazve,

17. kuti vakasara vavanhu vatsvake Ishe,uye navaHedheni vose vanodanwa nezita rangu,ndizvo zvinotaura Ishe, anoita zvinhu izvi,’

18. zvakangova zvazivikanwa kubva kare.

19. “Naizvozvo, kufunga kwangu ini ndinoti hatifaniri kuomesera vaHedheni ava vari kutendeukira kuna Mwari.

20. Asi ngativanyorerei tsamba tichivataurira kuti varege kudya zvakasvibiswa nezvifananidzo, vabve paupombwe, nokudya nyama yemhuka dzakadzipwa, uye neropa.

21. Nokuti kubva kare Mozisi akanga achiparidzwa muguta rimwe nerimwe uye anoverengwa musinagoge paSabata rimwe nerimwe.”

22. Ipapo vapostori navakuru, nekereke yose, vakafunga kusarudza vamwe varume pakati pavo kuti vagovatuma kuAndioki pamwe chete naPauro naBhanabhasi. Vakasarudza Judhasi (ainzi Bhanabhasi) naSirasi, varume vaviri ava vakanga vari vatungamiri pakati pehama.

23. Vakatumira tsamba yaiti:Vapostori navakuru, idzo hama dzenyu,Kuvatendi nokuvaHedheni vari muAndioki, Siria nomuSirisia:Kwaziwai.

24. Takanzwa kuti vamwe vakabva kwatiri vasina mvumo yedu vakakanganisa pfungwa dzenyu nezvavakataura.

25. Saka tose takatenderana kuti tisarudze varume pakati pedu tigovatuma kwamuri pamwe chete neshamwari dzedu dzinodikanwa ivo Bhanabhasi naPauro,

26. varume vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 15