Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 13:26-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. “Hama dzangu, vana vaAbhurahama nemi vahedheni vanotya Mwari, shoko iri roruponeso rakatumirwa kwatiri.

27. Vanhu veJerusarema navatongi vavo havana kuziva Jesu, asi pakumupa mhaka kwavo vakazadzisa mashoko avaprofita anoverengwa Sabata rimwe nerimwe.

28. Kunyange vasina kuwana hwaro chaihwo hwokuti atongerwe rufu, vakakumbira Pirato kuti amuuraye.

29. Vakati vapedza zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva.

30. Asi Mwari akamumutsa kuvakafa,

31. uye akaonekwa mazuva mazhinji naavo vakafamba naye kubva kuGarirea kusvikira kuJerusarema. Ndivo zvapupu zvake zvino kuvanhu vokwedu.

32. “Tiri kukuudzai nhau dzakanaka kuti: Zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari,

33. akazvizadzisa kwatiri isu, vana vavo, nokumutsa Jesu kuvakafa. Sezvazvakanyorwa muPisarema rechipiri zvichinzi:“ ‘Ndiwe Mwanakomana wangu;nhasi ndava baba vako.’

34. Chokwadi chokuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akasazomboora, chinotaurwa mumashoko aya anoti:“ ‘Ndichakupa maropafadzo matsvene,uye echokwadi akavimbiswa kuna Dhavhidhi.’

35. Nokudaro zvinotaurwa pamwewo kuti:“ ‘Hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora.’

36. “Nokuti Dhavhidhi akati aita kuda kwaMwari pamazuva ake, akavata; akavigwa namadzibaba ake uye muviri wake wakaora.

37. Asi uyo akamutswa naMwari haana kuona kuora.

38. “Naizvozvo, hama dzangu, ndinoda kuti muzive kuti kubudikidza naJesu, kukanganwirwa kwezvivi kunoparidzwa kwamuri.

39. Kubudikidza naye munhu wose anotenda anoruramiswa pazvinhu zvose zvamanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMozisi.

40. Chenjerai kuti zvakataurwa navaprofita zvirege kuitika kwamuri, zvinoti:

41. “ ‘Tarirai imi vaseki,mushamiswe uye muparare,nokuti ndiri kuzoita chimwe chinhu pamazuva enyu chamusingazombotendi,kunyange dai mumwe munhu akakuudzai.’ ”

42. Pauro naBhanabhasi vava kubuda musinagoge, vanhu vakavakoka kuti vazotaurazve pamusoro pezvinhu izvi paSabata raizotevera.

43. Ungano yakati yapararira, vazhinji vavaJudha navamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha vakatevera Pauro naBhanabhasi, ivo vakataura navo uye vakavakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari.

44. PaSabata rakatevera rinenge guta rose rakaungana kuzonzwa shoko raShe.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 13