Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 12:15-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Vakati kwaari, “Wava kupenga.” Paakaramba achisimbisisa kuti zvakanga zviri izvo, ivo vakati, “Anofanira kunge ari mutumwa wake.”

16. Asi Petro akaramba achigogodza, uye vakati vazarura mukova, vakamuona vakashamiswa.

17. Petro akaninira maoko ake kwavari kuti vanyarare ndokurondedzera kuti Ishe akanga amubudisa sei mutorongo. Akati, “Muudze Jakobho nehama pamusoro paizvozvi.” Ipapo akabva akaenda kune imwe nzvimbo.

18. Mangwanani acho, kwakava nebope guru pakati pavarwi vachida kuziva kuti chii chakanga chaitika kuna Petro.

19. Mushure mokunge Herodhi amutsvakisisa kwazvo uye asina kumuwana, akanyatsobvunzisisa varindi ndokubva arayira kuti vaurayiwe. Ipapo Herodhi akabva kuJudhea akaenda kuKesaria akandogarako kwechinguva.

20. Aisipopotedzana navanhu veTire neSidhoni, vakanga vabatana pamwe chete vakatsvaka kuti vataurirane naye. Vakati vawana rutsigiro rwaBhurasto, muranda akatendeka wamambo, vakakumbira rugare, nokuti vaipona nenyika yamambo, nokuti ndikwo kwavaiwana zvokudya.

21. Pazuva rakanga ratarwa, Herodhi akapfeka nguo dzake dzoushe, akagara pachigaro chake choushe akataura kuvanhu.

22. Vakadanidzira vachiti, “Iri inzwi ramwari, kwete romunhu.”

23. Pakarepo, nokuti Herodhi haana kurumbidza Mwari, mutumwa waShe akamurova, iye akadyiwa nehonye uye akafa.

24. Asi shoko raMwari rakaramba richikura uye richipararira.

25. Bhanabhasi naSauro vakati vapedza basa ravo, vakadzokera kuJerusarema, vakatorawo Johani, ainzi Mako.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 12