Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 12:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Yakanga iri nguva inenge imwe cheteyo Mambo Herodhi paakasunga vamwe vaiva nhengo dzekereke, achida kuvatambudza.

2. Akanga aita kuti Jakobho mukoma waJohani aurayiwe nomunondo.

3. Paakaona kuti izvozvo zvakafadza vaJudha, akapfuurira mberi akandosungawo Petro. Izvi zvakaitika panguva yoMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso.

4. Mushure mokumusunga, akamuisa mutorongo, akaita kuti arindwe namapoka mana avarwi, boka rimwe nerimwe rina varwi vana. Herodhi akanga achida kumumisa padare rokutongwa shure kwePasika.

5. Saka Petro akachengetwa mutorongo, asi kereke yakanga ichimunyengeterera zvikuru kuna Mwari.

6. Usiku hwaaifanira kumiswa pamberi pedare naHerodhi husati hwasvika, Petro akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa nengetani mbiri, uye varindi vakanga vakamira vakarinda vari pamukova.

7. Pakarepo mutumwa waShe akaonekwa uye chiedza chakavhenekera muchitokisi. Akarova Petro parutivi ndokumumutsa achiti, “Kurumidza muka!” Ipapo ngetani dzakawa pamaoko aPetro.

8. Mutumwa akati kwaari, “Pfeka nguo dzako neshangu dzako.” Uye Petro akaita saizvozvo. Mutumwa akati kwaari, “Monera jasi rako ubve wanditevera.”

9. Petro akamutevera achibuda mutorongo, asi akanga asingazivi kuti zvaiitwa nomutumwa zvakanga zvichitoitika; akafunga kuti aiona chiratidzo.

10. Vakapfuura napavarindi vokutanga nevechipiri ndokusvika pasuo resimbi rakanga rakatarira kuguta. Rakangovazarukira roga, vakapinda napariri. Vakati vafamba kusvika kumagumo kweimwe nzira imwe chete, pakarepo mutumwa akamusiya.

11. Ipapo Petro akapengenuka akati, “Zvino ndava kuziva ndisingatongokahadziki kuti Ishe atuma mutumwa wake uye andinunura pamaoko aHerodhi napazvinhu zvose zvanga zvakatarisirwa navanhu vechiJudha.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 12