Vakapfuura napavarindi vokutanga nevechipiri ndokusvika pasuo resimbi rakanga rakatarira kuguta. Rakangovazarukira roga, vakapinda napariri. Vakati vafamba kusvika kumagumo kweimwe nzira imwe chete, pakarepo mutumwa akamusiya.