Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 11:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vapostori nehama dzomuJudhea yose vakanzwa kuti vahedheni vakanga vagamuchirawo shoko raMwari.

2. Saka Petro akati aenda kuJerusarema, vatendi vokudzingiswa vakamutsoropodza

3. vachiti, “Iwe wakapinda mumba yavanhu vasina kudzingiswa ukandodya navo.”

4. Petro akatanga kurondedzera zvinhu zvose kwavari zvichitevedzana sokuitika kwazvakanga zvaita achiti,

5. “Ndakanga ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, ndikabatwa nomweya ndikaona chiratidzo. Ndakaona chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru, chichiburutswa kubva kudenga namakona acho mana, uye chakaburuka chikasvika pandaiva.

6. Ndakatarira mukati macho ndikaona mhuka dzenyika dzina makumbo mana, zvikara zvesango, nezvinokambaira uye neshiri dzedenga.

7. Ipapo ndakanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Simuka, Petro. Baya udye.’

8. “Ini ndakapindura ndikati, ‘Zvirokwazvo kwete, Ishe! Hakuna chinhu chisina kunaka kana chine tsvina chakatombopinda mumuromo mangu.’

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 11