Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 10:19-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Petro achiri kufunga pamusoro pechiratidzo, Mweya akati kwaari, “Simoni, pana varume vatatu vari kukutsvaka.

20. Saka simuka uburuke uende pasi. Usatya kuenda navo, nokuti ndini ndavatuma.”

21. Petro akaburuka akandoti kuvarume ava, “Ndini wamuri kutsvaka. Mavingeiko?”

22. Varume vaya vakamupindura vakati, “Tabva kuna Koniriasi mukuru wezana. Munhu akarurama uye anotya Mwari, anokudzwa navanhu vose vechiJudha. Mutumwa mutsvene akamuudza kuti akudanei kuti muuye kumba kwake kuti azonzwa zvamuchareva kwaari.”

23. Ipapo Petro akakoka varume ava kuti vapinde mumba vave vaeni vake.Fume mangwana Petro akasimuka pamwe chete navo, uye dzimwe hama dzokuJopa dzakaendawo naye.

24. Akasvika kuKesaria zuva rakatevera. Koniriasi akanga akavamirira uye akanga akoka hama dzake neshamwari dzapedyo.

25. Petro akati apinda mumba, Koniriasi akamuchingamidza uye akawira patsoka dzake achimuremekedza.

26. Asi Petro akaita kuti asimuke akati, “Simuka, ndinongova munhuwo zvangu.”

27. Petro achitaura naye, akapinda mumba akawana vanhu vazhinji vakaungana.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 10