Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 1:21-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Naizvozvo zvakafanira kuti kusarudzwe mumwe murume akanga anesu nguva yose Ishe Jesu yaaipinda nokubuda pakati pedu,

22. kutanga parubhabhatidzo rwaJohani kusvikira panguva yakabviswa Jesu kwatiri. Nokuti mumwe waava anofanira kuva chapupu chokumuka kwake, pamwe chete nesu.”

23. Saka vakasarudza varume vaviri vaiti: Josefa ainzi Bhanabhasi (aizivikanwawo nokunzi Jasitasi) naMatiasi.

24. Ipapo vakanyengetera vachiti, “Ishe, munoziva mwoyo yavanhu vose. Tiratidzei pakati pavaviri ava wamasarudza

25. kuti atore basa iri roupostori, rakasiyiwa naJudhasi achienda kunzvimbo yake.”

26. Ipapo vakakanda mijenya, uye mujenya ukawira kuna Matiasi; saka akawedzerwa kuvapostori vane gumi nomumwe.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 1