Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 7:40-53 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

40. Vakati vanzwa mashoko ake, vamwe vanhu vakati, “Zvirokwazvo murume uyu muprofita.”

41. Vamwe vakati, “Ndiye Kristu.”Asi vamwe vakati, “Kristu angabva seiko kuGarirea?

42. Rugwaro harutauri here kuti Kristu achabva kurudzi rwaDhavhidhi uye nokuBheterehema, guta raigara Dhavhidhi?”

43. Nokudaro vanhu vakapesana nokuda kwaJesu.

44. Vamwe vakada kumubata, asi hapana akaisa ruoko paari.

45. Pakupedzisira varindi vetemberi vakadzokera kuvaprista vakuru nokuvaFarisi, vakavabvunza vakati, “Seiko musina kuuya naye kuno?”

46. Varindi vakati kwavari, “Hakuna munhu akatombotaura nenzira inoitwa nomurume uyu.”

47. VaFarisi vakati, “Munoreva kuti atokunyengerai nemiwo?

48. Pane mumwe wavatongi kana wavaFarisi ava kutenda kwaari here?

49. Kwete! Asi vanhu vazhinji ava vasingatongozivi murayiro, vakatukwa ava.”

50. Nikodhimo, uya akanga amboenda kuna Jesu uye akanga ari mumwe wavo, akati,

51. “Ko, murayiro wedu unopomera munhu mhosva asina kutanga ambonzwikwa kuti zvionekwe kuti ari kuitei here?”

52. Vakapindura vakati, “Newewo uri weGarireasu? Nzvera, uye uchaona kuti hakuna muprofita anobva kuGarirea.”

53. Ipapo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 7