Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 7:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba muGarirea, asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaikoko vakanga vachitsvaka kumuuraya.

2. Asi Mutambo waMatumba wavaJudha wakati wava pedyo,

3. vanun'una vaJesu vakati kwaari, “Munofanira kubva pano muende kuJudhea, kuitira kuti vadzidzi venyu vagoona zvishamiso zvamunoita.

4. Hakuna munhu anoda kuva nomukurumbira anoita zvinhu zvake muchivande. Sezvo muchiita zvinhu izvi, chizviratidzai imi kunyika.”

5. Nokuti kunyange vanun'una vake chaivo vakanga vasingatendi kwaari.

6. Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Nguva yangu yakanaka haisati yasvika; asi kwamuri, nguva ipi zvayo yakangonaka.

7. Nyika haigoni kukuvengai, asi ini inondivenga nokuti ndinopupura kuti zvainoita zvakaipa.

8. Endai henyu imi kuMutambo. Ini handisati ndoenda kuMutambo uyu, nokuti nguva yakanaka kwandiri haisati yasvika.”

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 7