Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 4:46-54 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

46. Akashanyirazve Kana yomuGarirea, uko kwaakanga ashandura mvura ikava waini. Uye ikoko kwakanga kuno mumwe mutariri wamambo akanga ane mwanakomana wake akanga avete achirwara paKapenaume.

47. Murume uyu akati anzwa kuti Jesu asvika muGarirea achibva kuJudhea, akaenda kwaari akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake, uyo akanga ava pedyo nokufa.

48. Jesu akati kwaari, “Kana imi vanhu musina kuona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.”

49. Mutariri wamambo akati, “Ishe, burukai muuye mwana wangu asati afa.”

50. Jesu akapindura akati, “Enda hako. Mwanakomana wako achararama.”Murume uyu akagamuchira shoko raJesu akaenda.

51. Achiri munzira varanda vake vakasangana naye namashoko okuti mukomana akanga apora.

52. Akati abvunza nguva yakatanga mwana kunzwa zviri nani, ivo vakati kwaari, “Fivha yakabva paari nezuro panguva dzechinomwe.”

53. Ipapo baba vaya vakayeuka kuti ndiyo yakanga iri nguva chaiyo paakanzi naJesu, “Mwanakomana wako achararama.” Saka iye neimba yake yose vakatenda.

54. Ichi ndicho chakanga chiri chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva kuJudhea ava kuGarirea.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 4