Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 4:39-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

39. VaSamaria vazhinji vaibva muguta iro vakatenda kwaari nokuda kwouchapupu hwomukadzi hwokuti, “Akanditaurira zvose zvandakaita.”

40. Saka vaSamaria vakasvika kwaari, vakamukumbira kuti agare navo, nokudaro akagarapo kwamazuva maviri.

41. Uye nokuda kwamashoko ake vamwezve vazhinji vakava vatendi.

42. Ivo vakati kumukadzi uya, “Hatichatongotendi nokuda kwezvawataura chete; uye zvino tazvinzwira pachedu, uye tinoziva kuti murume uyu chokwadi ndiye Muponesi wenyika.”

43. Mazuva maviri akati apfuura, akabva akaenda kuGarirea.

44. Zvino Jesu pachake akanga ambopupura kuti muprofita haakudzwi munyika yokwake.

45. Akati asvika muGarirea, vaGarirea vakamugamuchira. Vakanga vaona zvose zvaakanga aita muJerusarema pamutambo wePasika, nokuti naivowo vaivapo.

46. Akashanyirazve Kana yomuGarirea, uko kwaakanga ashandura mvura ikava waini. Uye ikoko kwakanga kuno mumwe mutariri wamambo akanga ane mwanakomana wake akanga avete achirwara paKapenaume.

47. Murume uyu akati anzwa kuti Jesu asvika muGarirea achibva kuJudhea, akaenda kwaari akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake, uyo akanga ava pedyo nokufa.

48. Jesu akati kwaari, “Kana imi vanhu musina kuona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.”

49. Mutariri wamambo akati, “Ishe, burukai muuye mwana wangu asati afa.”

50. Jesu akapindura akati, “Enda hako. Mwanakomana wako achararama.”Murume uyu akagamuchira shoko raJesu akaenda.

51. Achiri munzira varanda vake vakasangana naye namashoko okuti mukomana akanga apora.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 4