Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 3:9-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Nikodhimo akati, “Zvingaitika seiko izvi?”

10. Jesu akati, “Iwe uri mudzidzisi wavaIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi?

11. Ndinokuudza chokwadi, tinotaura zvatinoziva, uye tinopupura zvatakaona, asi hazvo, imi vanhu hamutongogamuchiri uchapupu hwedu.

12. Ndataura kwauri pamusoro pezvinhu zvapanyika uye hautendi; zvino ungatenda sei kana ndikataura pamusoro pezvinhu zvokudenga?

13. Hakuna munhu akamboenda kudenga kunze kwaiye akabva kudenga, iye Mwanakomana woMunhu.

14. Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana woMunhu anofanira kusimudzwawo,

15. kuti ani naani anotenda kwaari ave noupenyu husingaperi.

16. “Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.

17. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye.

18. Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari.

19. Kutongwa ndokuku: Chiedza chakasvika munyika, asi vanhu vakada rima panzvimbo yechiedza nokuti mabasa avo akanga akaipa.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 3