Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 19:31-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Zvino rakanga riri zuva rokugadzirira, uye mangwana acho, rakanga riri zuva rakasanangurwa reSabata. Nokuda kwokuti vaJudha vakanga vasingadi kuti mitumbi isiyiwe iri pamuchinjikwa panguva yeSabata, vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhunwe uye kuti mitumbi ibviswe.

32. Naizvozvo varwi vakauya vakavhuna makumbo omunhu wokutanga uyo akanga arovererwa pamwe chete naJesu, uye vakazovhuna omumwe wacho.

33. Asi vakati vasvika pana Jesu uye vachiona kuti atofa, havana kuvhuna makumbo ake.

34. Asi, mumwe murwi akamubaya nepfumo parutivi, ropa nemvura zvikabuda pakarepo.

35. Murume akazviona ndiye akapa umboo, uye uchapupu hwake ndohwechokwadi. Anoziva kuti ari kutaura chokwadi, uye anopupura kuitira kuti nemiwo mutende.

36. Zvinhu izvi zvakaitika kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe runoti: “Hakuna kana bvupa rake rimwe richavhunwa,”

37. uye sezvinoreva rumwe Rugwaro runoti, “Vachatarisa iye wavakabaya.”

38. Shure kwaizvozvo, Josefa weArimatea akakumbira Pirato kuti apiwe mutumbi waJesu. Zvino Josefa akanga ari mudzidzi waJesu, asi muchivande nokuti aitya vaJudha. Akati abvumirwa naPirato, akauya akatora mutumbi waJesu.

39. Akanga achiperekedzwa naNikodhimo, murume uya akashanyira Jesu usiku. Nikodhimo akauya nezvakavenganiswa zvemura nearoesi, zvinenge makirogiramu makumi matatu namana.

40. Vakatora mutumbi waJesu, vakauputira vari vaviri nomucheka pamwe chete nezvinonhuwira. Izvi zvaifambirana netsika dzokuviga dzavaJudha.

41. Panzvimbo iyo pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa, paiva nebindu, uye mubindu imomo, maiva neguva idzva, rakanga risina munhu akamboradzikwamo.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 19