Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 19:10-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Pirato akati, “Haudi kutaura neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukusunungura kana kukuroverera pamuchinjikwa?”

11. Jesu akapindura akati, “Haungatongovi nesimba pamusoro pangu kana usina kuripiwa richibva kumusoro. Naizvozvo uyo andiisa kwauri ane mhosva yechivi chikuru.”

12. Kubva ipapo zvichienda mberi, Pirato akaedza kusunungura Jesu, asi vaJudha vakaramba vachidanidzira vachiti, “Kana ukasunungura murume uyu, zvoreva kuti hausi shamwari yaKesari. Ani naani anozviti mambo anopikisana naKesari.”

13. Pirato akati anzwa izvozvo, akabudisa Jesu kunze uye akagara pachigaro chokutonga panzvimbo inozivikanwa nokunzi: Pakarongwa Mabwe (nechiHebheru pachinzi Gabhata).

14. Rakanga riri zuva rokugadzirira vhiki yePasika, awa inenge yechitanhatu.Pirato akati kuvaJudha, “Hoyu mambo wenyu.”

15. Asi vakadanidzira vachiti, “Endai naye! Endai naye! Murovererei!”Pirato akati, “Ndoroverera mambo wenyu here?”Vaprista vakuru vakapindura vachiti, “Hatina mambo isu, asi Kesari.”

16. Pakupedzisira Pirato akamuisa mumaoko avo kuti arovererwe.

17. Akatakura muchinjikwa wake, akabuda akaenda kunzvimbo yeDehenya (zvichireva kuti Gorogota muchiHebheru).

18. Ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa navamwe vaviri, mumwe kuno rumwe rutivi nomumwe kuno rumwe rutivi uye Jesu ari pakati.

19. Pirato akanyora chiziviso akachiisa pamuchinjikwa. Chaiva chakanyorwa kuti: JESU WENAZARETA, MAMBO WAVAJUDHA.

20. VaJudha vazhinji vakaverenga zvakanga zvakanyorwa pachikwangwani ichi, nokuti nzvimbo yakarovererwa Jesu yakanga iri pedyo neguta, uye chikwangwani ichi chaiva chakanyorwa nechiHebheru, chiRatini uye nechiGiriki.

21. Vaprista vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato, “Musanyora kuti, ‘Mambo wavaJudha,’ asi kuti, ‘Munhu uyu anozviti mambo wavaJudha.’ ”

22. Pirato akapindura akati, “Zvandanyora, ndanyora.”

23. Varwi vakati varoverera Jesu pamuchinjikwa, vakabvisa nguo dzake, vakadziita migove mina, mumwe chete kuno mumwe nomumwe wavo, nguo yomukati iriyo yakasara. Nguo iyi yakanga isina pakasonwa, yakangorukwa kubva kumusoro kusvika pasi.

24. Vakataurirana vakati, “Ngatiregei kuibvarura. Ngatikandei mujenya tione kuti ndiani achaitora.”Izvi zvakaitika kuti Rugwaro ruzadziswe runoti:“Vakagovana nguo yangu pakati pavouye vakakanda mijenya pamusoro pechipfeko changu.”Saka izvi ndizvo zvakaitwa navarwi.

25. Pedyo nomuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, munun'una wamai vake, naMaria mukadzi waKiropasi, naMaria Magadharena.

26. Jesu akati aona mai vake ipapo, uye mudzidzi waaida amire pedyo navo, akati kuna mai vake, “Mai, hoyu mwanakomana wenyu,”

27. uye kumudzidzi akati, “Ava mai vako.” Kubva pazuva iro zvichienda mberi, mudzidzi uyu akavatora akaenda navo kumba kwake.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 19