Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 16:13-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya.

14. Achauyisa kukudzwa kwandiri nokutora pane zvangu achizvizivisa kwamuri.

15. Zvose zvaBaba ndezvangu. Ndokusaka ndakati Mweya achatora zvangu agozvizivisa kwamuri.

16. “Muchinguva chiduku, hamuchazondionizve, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona.”

17. Vamwe vadzidzi vake vakataurirana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondioni, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona,’ uye ‘Nokuti ndiri kuenda kuna Baba’?”

18. Vakaramba vachingobvunzana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Chinguva chiduku’? Hatinzwisisi zvaanoreva isu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 16