Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 13:5-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Shure kwaizvozvo, akadira mvura mudhishi akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, achidziomesa netauro rakanga rakamonerwa muchiuno chake.

6. Akasvika pana Simoni Petro, iye akati kwaari, “Ishe muri kuda kushambidza tsoka dzangu here?”

7. Jesu akapindura achiti, “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure.”

8. Simoni Petro akati, “Kwete, imi hamungatongoshambidzi tsoka dzangu.”Jesu akapindura akati, “Kana ndikasakushambidza, hauna mugove neni.”

9. Ipapo Simoni Petro akati, “Ishe, ngadzirege kuva tsoka dzangu bedzi asi maoko angu nomusoro wanguwo!”

10. Jesu akapindura akati, “Munhu anenge amboshamba muviri wose, anongoda bedzi kushamba tsoka dzake, muviri wake wose wakachena. Imi makachena, kunyange zvazvo musiri mose vakachena.”

11. Nokuti aiziva kuti ndiani aizomupandukira, ndokusaka akati, havasi vose vakanga vakachena.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 13