Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 13:34-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. “Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana.

35. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana mune rudo pakati penyu.”

36. Simoni Petro akamubvunza akati, “Ishe, muri kuendepiko?”Jesu akapindura akati, “Kwandinoenda, imi hamugoni kutevera, asi muchazotevera pashure.”

37. Petro akati, “Ishe seiko ndisingakwanisi kukuteverai iye zvino? Ndichakufirai ini.”

38. Ipapo Jesu akapindura akati, “Uchandifira here? Ndinokuudza chokwadi kuti, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu!”

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 13