Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 1:34-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Ndazviona uye ndinopupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”

35. Chifume chamangwana Johani akanga aripozve navadzidzi vake vaviri.

36. Akati achiona Jesu achipfuura akati, “Tarirai, Gwayana raMwari!”

37. Vadzidzi vaviri vakati vachimunzwa achitaura izvi, vakatevera Jesu.

38. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavabvunza akati, “Munodeiko?”Ivo vakati, “Rabhi” (ndiko kuti Mudzidzisi), “munogarepiko?”

39. Akapindura akati, “Uyai muzokuona.”Saka vakaenda vakandoona paaigara, vakaswera naye kwezuva rimwe chete. Yakanga iri nguva inenge yegumi.

40. Andirea munun'una waPetro, ndiye wavamwe vaviri akanga anzwa zvakanga zvarehwa naJohani uye akanga atoteverawo Jesu.

41. Chinhu chokutanga chakaitwa naAndirea ndechokuti akatsvaka Simoni mukoma wake akati kwaari, “Tamuwana Mesiya” (ndiko kuti Kristu).

42. Uye akauya naye kuna Jesu.Jesu akatarisa kwaari akati, “Ndiwe Simoni mwanakomana waJohani. Iwe uchanzi Kefasi” (ndiko kuti, kana zvichishandurwa, Petro).

43. Zuva rakatevera Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea. Akati awana Firipi akati kwaari, “Nditevere.”

44. Firipi, aibvawo kuguta reBhetisaidha saAndirea naPetro,

45. Firipi akawana Natanieri akati kwaari, “Tamuwana uya akanyorwa nezvake naMozisi muMurayiro, uyewo akanyorwa nezvake navaprofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.”

46. Natanieri akati, “Nazareta! Pane chinhu chakanaka chingabva kuNazareta here?”Firipi akati, “Uya uone.”

47. Jesu akati achiona Natanieri achiuya, akati kwaari, “Houno muIsraeri wechokwadi, asina kunyengera maari.”

48. Natanieri akamubvunza akati, “Mandiziva seiko?”Jesu akapindura akati, “Ndakuona pawanga uri pasi pomuonde Firipi asati akudana.”

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 1