Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 1:20-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Haana kurega kupupura, asi akanyatsopupura pachena achiti, “Handisini Kristu.”

21. Vakamubvunza vakati, “Zvino ndiwe aniko? Ndiwe Eria here?”Iye akati, “Handizi iye.”“Uri muprofita here?”Akapindura akati, “Kwete.”

22. Pakupedzisira vakati, “Ndiwe aniko? Tipindure tigondotaurira vatituma. Unozviti aniko?”

23. Johani akapindura namashoko omuprofita Isaya achiti, “Ndini inzwi reanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaShe.’ ”

24. Zvino vamwe vaFarisi vakanga vatumwa

25. vakamubvunza vachiti, “Seiko zvino uchibhabhatidza kana usiri Kristu, kana Eria uye kana Muprofita?”

26. Johani akapindura akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura, asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 1