Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jakobho 5:2-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Upfumi hwenyu hwaora, uye nguo dzenyu dzakadyiwa nezviundudzi.

3. Goridhe renyu nesirivha zvava nengura. Ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa uye zvichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera upfumi mumazuva okupedzisira.

4. Tarirai mibayiro yamakatadza kupa vashandi venyu vaicheka muminda yenyu iri kudanidzira pamusoro penyu. Kuchema kwavacheki kwasvika munzeve dzaIshe Wamasimba Ose.

5. Makararama mumafaro panyika uye muchizvikudza. Makakodza mwoyo yenyu pazuva rokuzvibaya.

6. Makatonga uye mukaponda vanhu vasina mhosva, vakanga vasingapikisani nemi.

7. Zvino, hama dzangu, ivai nomwoyo murefu, kusvikira pakuuya kwaShe. Tarirai mamiriro anoita murimi kuti aone chibereko chinokosha chenyika uye kuti anoita mwoyo murefu sei pakumirira kwake mvura yomunakamwe nemvura yamasutso.

8. Nemiwo, ivai nomwoyo murefu uye mumire nesimba, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo.

Verenga chitsauko zvakakwana Jakobho 5