Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jakobho 4:9-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Chemai, murire uye muungudze. Shandurai kuseka kwenyu kuve kuchema uye mufaro wenyu uve kusuwa.

10. Zvininipisei pamberi paIshe, agokusimudzirai.

11. Hama dzangu, musarevana. Ani naani anoreva hama yake kana kumutonga anotaura achirwa nomurayiro uye achiutonga. Kana uchitonga murayiro, iwe hauzi kuuchengeta, asi ugere uchitonga uri pauri.

12. Panongova noMupi woMurayiro noMutongi mumwe chete, iye anokwanisa kuponesa kana kuparadza. Asi iwe, ndiwe aniko kuti utonge muvakidzani wako?

13. Zvino teererai, imi munoti, “Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta iri kana iro, tinopedza gore tiriko, tichiita basa uye tichiwana mari.”

14. Asi, imi hamutongozivi zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inoonekwa nguva duku uye ipapo yonyangarika.

15. Asi, munofanira kuti, “Kana Ishe achida, tichararama tigoita ichi nechocho.”

16. Asi zvino munozvikudza uye mune manyawi. Kuzvikudza kwakadaro kwakaipa.

17. Ani naani, zvino, anoziva zvakanaka zvaanofanira kuita uye akasazviita, ari kutadza.

Verenga chitsauko zvakakwana Jakobho 4