Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jakobho 4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Zviisei pasi paMwari

1. Kurwa nokukakavara pakati penyu kunobvepiko? Hakubvi pakuchiva kwenyu kunorwa mukati menyu here?

2. Munoda chimwe chinhu asi hamuchiwani. Munouraya uye munochiva, asi hamugoni kuwana zvamunoda. Munokakavadzana uye munorwa. Hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri Mwari.

3. Pamunokumbira, hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti mugoshandisa zvamunowana pamafaro enyu.

4. Imi vanhu voupombwe, hamuzivi kuti ushamwari nenyika hunovengana naMwari here? Ani naani anosarudza kushamwaridzana nenyika anova muvengi waMwari.

5. Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here kuti mweya waakaita kuti ugare matiri unotishuva negodo guru?

6. Asi unotipa nyasha zhinji. Ndokusaka Rugwaro ruchiti:“Mwari anodzivisa vanozvikudza,asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”

7. Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.

8. Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri.

9. Chemai, murire uye muungudze. Shandurai kuseka kwenyu kuve kuchema uye mufaro wenyu uve kusuwa.

10. Zvininipisei pamberi paIshe, agokusimudzirai.

11. Hama dzangu, musarevana. Ani naani anoreva hama yake kana kumutonga anotaura achirwa nomurayiro uye achiutonga. Kana uchitonga murayiro, iwe hauzi kuuchengeta, asi ugere uchitonga uri pauri.

12. Panongova noMupi woMurayiro noMutongi mumwe chete, iye anokwanisa kuponesa kana kuparadza. Asi iwe, ndiwe aniko kuti utonge muvakidzani wako?

Kuzvirumbidza pane Ramangwana

13. Zvino teererai, imi munoti, “Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta iri kana iro, tinopedza gore tiriko, tichiita basa uye tichiwana mari.”

14. Asi, imi hamutongozivi zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inoonekwa nguva duku uye ipapo yonyangarika.

15. Asi, munofanira kuti, “Kana Ishe achida, tichararama tigoita ichi nechocho.”

16. Asi zvino munozvikudza uye mune manyawi. Kuzvikudza kwakadaro kwakaipa.

17. Ani naani, zvino, anoziva zvakanaka zvaanofanira kuita uye akasazviita, ari kutadza.