Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jakobho 2:8-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Kana muchichengeta muchokwadi murayiro woushe unowanikwa muRugwaro, unoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe,” munoita zvakanaka.

9. Asi kana muchitsaura vanhu, muri kutadza uye munotongwa nomurayiro savadariki vomurayiro.

10. Nokuti ani naani anochengeta murayiro wose asi akagumburwa pachinhu chimwe chete ane mhosva yokuputsa murayiro wose.

11. Nokuti iye akati, “Usaita upombwe,” ndiyewo akati, “Usauraya.” Kana usingapombi asi uchiuraya, wava mudariki womurayiro.

12. Taurai uye muchiita saavo vachazotongwa nomurayiro unopa rusununguko,

13. nokuti kutonga kusinganzwiri ngoni kucharatidzwa kumunhu upi zvake akanga asinganzwiri ngoni. Ngoni dzinokunda kutonga!

Verenga chitsauko zvakakwana Jakobho 2