Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jakobho 2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kutsaura Vanhu Kunorambidzwa

1. Hama dzangu, savatendi muna Ishe wedu wokubwinya iye Jesu Kristu, musava vatsauri vavanhu.

2. Kana mumwe munhu akauya akapinda mumusangano wenyu akapfeka mhete yegoridhe nenguo dzakaisvonaka, uye murombo akapfeka mamvemve akapindawo,

3. kana mukaremekedza munhu akapfeka nguo dzakaisvonaka uye mukati, “Hechi chigaro chenyu chakanaka,” asi kumurombo mukati, “Iwe mira apo,” kana kuti “Gara pasi, patsoka dzangu,”

4. hamuna kutsaura here pakati penyu uye mukava vatongi vane ndangariro dzakaipa?

5. Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko, Mwari haana kusarudza varombo venyika ino kuti vave vapfumi mukutenda uye kuti vagare nhaka youmambo hwaakavimbisa avo vanomuda here?

6. Asi imi makazvidza varombo. Ko, havazi vapfumi vanokubirai here? Havazi ivo vanokuendesai kumatare edzimhosva here?

7. Havazi ivo vanomhura zita rinokudzwa raiye wamuri vake here?

8. Kana muchichengeta muchokwadi murayiro woushe unowanikwa muRugwaro, unoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe,” munoita zvakanaka.

9. Asi kana muchitsaura vanhu, muri kutadza uye munotongwa nomurayiro savadariki vomurayiro.

10. Nokuti ani naani anochengeta murayiro wose asi akagumburwa pachinhu chimwe chete ane mhosva yokuputsa murayiro wose.

11. Nokuti iye akati, “Usaita upombwe,” ndiyewo akati, “Usauraya.” Kana usingapombi asi uchiuraya, wava mudariki womurayiro.

12. Taurai uye muchiita saavo vachazotongwa nomurayiro unopa rusununguko,

13. nokuti kutonga kusinganzwiri ngoni kucharatidzwa kumunhu upi zvake akanga asinganzwiri ngoni. Ngoni dzinokunda kutonga!

Kutenda naMabasa

14. Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asi asina mabasa? Kutenda kwakadaro kungamuponesa here?

15. Kana hama kana hanzvadzi ikashayiwa zvokufuka nezvokudya zvezuva rimwe nerimwe,

16. uye mumwe wenyu akati, “Endai henyu, mufambe zvakanaka; mudziyirwe uye mugute,” asi asina chinhu chaamuitira chinodikanwa nomuviri wake, zvakanaka here izvozvo?

17. Saizvozvowo, kutenda kwoga, kana kusina basa, kwakafa.

18. Asi mumwe achati, “Iwe uno kutenda; ini ndina mabasa.”Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, uye ini ndichakuratidza kutenda kwangu nezvandinoita.

19. Iwe unotenda kuti kuna Mwari mumwe. Zvakanaka! Kunyange madhimoni anotenda izvozvo, uye achidedera.

20. Iwe benzi, unoda kuona kuti kutenda kusina mabasa hakuna maturo here?

21. Tateguru wedu Abhurahama haana kunzi akarurama here nokuda kwezvaakaita paakapa mwanakomana wake Isaka paaritari?

22. Unoona kuti kutenda kwake uye namabasa ake zvaibata pamwe chete, uye kutenda kwake kukakwaniswa nezvaakaita.

23. Uye Rugwaro rwakazadziswa runoti, “Abhurahama akatenda Mwari zvikaverengerwa kwaari kuti ndiko kururama,” uye akanzi shamwari yaMwari.

24. Unoona kuti munhu anoshayirwa mhosva nokuda kwezvaanoita, kwete nokutenda bedzi.

25. Saizvozvowo, Rahabhi chifeve haana kunzi akarurama nokuda kwezvaakaita paakapa vasori imba uye akazovaendesa neimwe nzira here?

26. Sezvo muviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafa.