Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jakobho 2:2-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Kana mumwe munhu akauya akapinda mumusangano wenyu akapfeka mhete yegoridhe nenguo dzakaisvonaka, uye murombo akapfeka mamvemve akapindawo,

3. kana mukaremekedza munhu akapfeka nguo dzakaisvonaka uye mukati, “Hechi chigaro chenyu chakanaka,” asi kumurombo mukati, “Iwe mira apo,” kana kuti “Gara pasi, patsoka dzangu,”

4. hamuna kutsaura here pakati penyu uye mukava vatongi vane ndangariro dzakaipa?

5. Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko, Mwari haana kusarudza varombo venyika ino kuti vave vapfumi mukutenda uye kuti vagare nhaka youmambo hwaakavimbisa avo vanomuda here?

6. Asi imi makazvidza varombo. Ko, havazi vapfumi vanokubirai here? Havazi ivo vanokuendesai kumatare edzimhosva here?

7. Havazi ivo vanomhura zita rinokudzwa raiye wamuri vake here?

8. Kana muchichengeta muchokwadi murayiro woushe unowanikwa muRugwaro, unoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe,” munoita zvakanaka.

9. Asi kana muchitsaura vanhu, muri kutadza uye munotongwa nomurayiro savadariki vomurayiro.

10. Nokuti ani naani anochengeta murayiro wose asi akagumburwa pachinhu chimwe chete ane mhosva yokuputsa murayiro wose.

11. Nokuti iye akati, “Usaita upombwe,” ndiyewo akati, “Usauraya.” Kana usingapombi asi uchiuraya, wava mudariki womurayiro.

12. Taurai uye muchiita saavo vachazotongwa nomurayiro unopa rusununguko,

13. nokuti kutonga kusinganzwiri ngoni kucharatidzwa kumunhu upi zvake akanga asinganzwiri ngoni. Ngoni dzinokunda kutonga!

Verenga chitsauko zvakakwana Jakobho 2