Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jakobho 2:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Hama dzangu, savatendi muna Ishe wedu wokubwinya iye Jesu Kristu, musava vatsauri vavanhu.

2. Kana mumwe munhu akauya akapinda mumusangano wenyu akapfeka mhete yegoridhe nenguo dzakaisvonaka, uye murombo akapfeka mamvemve akapindawo,

3. kana mukaremekedza munhu akapfeka nguo dzakaisvonaka uye mukati, “Hechi chigaro chenyu chakanaka,” asi kumurombo mukati, “Iwe mira apo,” kana kuti “Gara pasi, patsoka dzangu,”

4. hamuna kutsaura here pakati penyu uye mukava vatongi vane ndangariro dzakaipa?

5. Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko, Mwari haana kusarudza varombo venyika ino kuti vave vapfumi mukutenda uye kuti vagare nhaka youmambo hwaakavimbisa avo vanomuda here?

6. Asi imi makazvidza varombo. Ko, havazi vapfumi vanokubirai here? Havazi ivo vanokuendesai kumatare edzimhosva here?

7. Havazi ivo vanomhura zita rinokudzwa raiye wamuri vake here?

Verenga chitsauko zvakakwana Jakobho 2