Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jakobho 1:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, Kumarudzi gumi namaviri akapararira pakati pendudzi: Kwaziwai.

2. Hama dzangu, muti mufaro chaiwo, pose pamunosangana nemiedzo mizhinji yemhando dzose,

3. nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.

4. Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu.

5. Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.

6. Asi paanokumbira, anofanira kutenda uye asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye richimutswa-mutswa nemhepo.

7. Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu chipi zvacho kubva kuna She;

8. munhu ane mwoyo miviri, anongoshanduka-shanduka mune zvose zvaanoita.

9. Hama iri panzvimbo yokuninipiswa ngaifare muchinzvimbo chayo chokukudzwa.

10. Asi mupfumi anofanira kufara muchinzvimbo chokuderedzwa kwake, nokuti achapfuura seruva romusango.

11. Nokuti zuva rinobuda pamwe chete nemhepo inopisa rigoomesa uswa; ruva raro rinodonha uye kunaka kwaro kwoparadzwa. Nenzira imwe cheteyo, mupfumi achasvava kunyange achiri kuita basa rake.

Verenga chitsauko zvakakwana Jakobho 1