Testamende Yekare

Testamende Itsva

Firimoni 1:3-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.

4. Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarira muminyengetero yangu,

5. nokuti ndinonzwa nezvokutenda kwako muna Ishe Jesu uye norudo rwako kuvatsvene vose.

6. Ndinokunyengeterera kuti ugovane navamwe nesimba, kuitira kuti uve noruzivo rwakazara pamusoro pezvinhu zvose zvakanaka zvatinazvo muna Kristu.

7. Rudo rwako rwakandipa mufaro mukuru nokukurudzirwa, nokuti iwe, hama yangu, wakazorodza mwoyo yavatsvene.

8. Naizvozvo, kunyange zvazvo ndisingatyi muna Kristu kuti ndikurayire zvaunofanira kuita,

9. asi ndinokukumbira nokuda kworudo. Saka ini, saPauro mutana uye zvino musungwa waKristu Jesu

10. ndinokumbira kwauri pamusoro pomwanakomana wangu Onesimo, akava mwanakomana wangu pakusungwa kwangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Firimoni 1