Zvitsauko

  1. 1

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Firimoni 1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti hama yedu,Kuna Firimoni shamwari yedu inodikanwa uye nomushandi pamwe chete nesu,

2. kuna Afia hanzvadzi yedu, kuna Akipo murwi pamwe chete nesu uye nokukereke inosangana mumba mako:

3. Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.

Kuvonga nokunyengetera

4. Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarira muminyengetero yangu,

5. nokuti ndinonzwa nezvokutenda kwako muna Ishe Jesu uye norudo rwako kuvatsvene vose.

6. Ndinokunyengeterera kuti ugovane navamwe nesimba, kuitira kuti uve noruzivo rwakazara pamusoro pezvinhu zvose zvakanaka zvatinazvo muna Kristu.

7. Rudo rwako rwakandipa mufaro mukuru nokukurudzirwa, nokuti iwe, hama yangu, wakazorodza mwoyo yavatsvene.

Pauro anoreverera Onesimo

8. Naizvozvo, kunyange zvazvo ndisingatyi muna Kristu kuti ndikurayire zvaunofanira kuita,

9. asi ndinokukumbira nokuda kworudo. Saka ini, saPauro mutana uye zvino musungwa waKristu Jesu

10. ndinokumbira kwauri pamusoro pomwanakomana wangu Onesimo, akava mwanakomana wangu pakusungwa kwangu.

11. Akanga asingabatsiri kwauri kare, asi zvino ava kubatsira kwatiri tose iwe neni.

12. Ndiri kumudzosera kwauri, iye mwoyo wangu chaiwo.

13. Ndaida kuti iye agare neni kuti agotora nzvimbo yako pakundibatsira zvandiri muusungwa nokuda kweVhangeri.

14. Asi handina kuda kuita chinhu iwe usina kuchitendera, kuitira kuti zvose zvakanaka zvauchaita zvirege kuva zvokurovedzerwa asi nokuda kwako.

15. Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa naye kwechinguva kuti ugozova naye nokusingaperi,

16. asisiri somuranda, asi ava nani kupfuura muranda, sehama inodikanwa. Munhu anodikanwa kwandiri, asi kutonyanya kwauri, zvose somunhu uye sehama muna She.

17. Saka kana uchindiona somumwe wako, mugamuchire sokugamuchira kwaungandiita.

18. Kana ane zvaakakutadzira kana kuti ane mungava newe, uzvireve kwandiri.

19. Ini, Pauro, ndanyora izvi noruoko rwangu. Ndichazviripira, ndisingarevi kuti iwe pachako uri mungava kwandiri.

20. Hama, ndinoshuva, kuti ndiwane rubatsiro kubva kwauri muna She; zorodza mwoyo wangu muna Kristu.

21. Ndanyora kwauri ndichivimba nokuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaita kunyange kupfuura zvandakukumbira.

22. Uye chimwe chinhuzve: Ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti ndichapiwa kwamuri pakupindurwa kweminyengeretero yenyu.

23. Epafurasi, musungwa pamwe chete neni muna Kristu Jesu, anokukwazisai,

24. uyewo Mako, Aristako, Dhemasi, naRuka, vashandi pamwe chete neni.

25. Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wako.