Testamende Yekare

Testamende Itsva

Firimoni 1:20-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Hama, ndinoshuva, kuti ndiwane rubatsiro kubva kwauri muna She; zorodza mwoyo wangu muna Kristu.

21. Ndanyora kwauri ndichivimba nokuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaita kunyange kupfuura zvandakukumbira.

22. Uye chimwe chinhuzve: Ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti ndichapiwa kwamuri pakupindurwa kweminyengeretero yenyu.

23. Epafurasi, musungwa pamwe chete neni muna Kristu Jesu, anokukwazisai,

24. uyewo Mako, Aristako, Dhemasi, naRuka, vashandi pamwe chete neni.

25. Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wako.

Verenga chitsauko zvakakwana Firimoni 1