Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vatesaronika 2:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Kuuya kwomunhu wokutsauka kuchaitika sebasa raSatani kuchiratidza nemhando dzose dzezvishamiso zvenhema, zviratidzo neminana,

10. uye nokuipa kwose kunonyengera avo vanoparara. Vanoparara nokuti vakaramba kuda chokwadi uye kuti vagoponeswa.

11. Nokuda kwaizvozvi, Mwari anovatumira mweya une simba wokunyengera kuti vatende nhema

12. uye kuti vose vagotongwa, avo vasina kutenda chokwadi, asi vakafarira zvakaipa.

13. Asi tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama dzinodiwa naIshe, nokuti kubva pakutanga Mwari akakusarudzai kuti muponeswe nebasa rokuchenesa roMweya uye nokutenda chokwadi.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vatesaronika 2