Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vakorinde 8:18-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Uye tiri kumutumira kwamuri pamwe chete nehama inorumbidzwa nekereke dzose paushumiri hwevhangeri.

19. Hazvisizvo zvoga, akasarudzwawo nekereke kuti atiperekedze pakutakura chipo, chatiri kundopa kuti tikudze Ishe pachake uye kuti tiratidze shungu dzedu dzokuda kubatsira.

20. Tinoda kuchenjerera kuti kurege kuva nomunhu angatipa mhosva pamusoro pamabatiro atichaita chipo ichi chikuru.

21. Nokuti tiri kuedza kwazvo kuita zvakanaka, kwete pamberi paShe chete asiwo pamberi penyu.

22. Pamusoro pezvo, tiri kutuma hama yedu pamwe chete navo uyo akaratidza kwatiri nenzira dzakawanda kuti anoshingaira, uye zvino kunyanya nokuda kwokuvimba kwake kukuru nemi.

23. Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu nomubati pamwe chete neni pakati penyu; kana dziri hama dzedu, ndivo vamiririri vekereke uye kukudzwa kwaKristu.

24. Naizvozvo ratidzai varume ava chiratidzo chorudo rwenyu uye chikonzero chokuzvirumbidza kwenyu, kuitira kuti kereke dzigogona kuzviona.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vakorinde 8