Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13

Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vakorinde 8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kupa kunokurudzirwa

1. Uye zvino, hama, tinoda kuti muzive pamusoro penyasha dzakapiwa naMwari kukereke dzeMasedhonia.

2. Pakati pokuedzwa kukuru, mufaro wavo mukuru nokushayiwa kwavo kukuru zvakaita kuti vape zvizhinji.

3. Nokuti ndinopupura kuti vakapa napavaigona napo, uye kunyange kutopfuura pavaigona napo. Vakaita zvose izvi nokuda kwavo,

4. vakakumbirisa kwazvo kwatiri kuti vawane mukana wokugoverana nesu muushumiri uhu kuvatsvene.

5. Uye havana kuita sezvataifunga bedzi, asi kuti vakazvipa ivo pachavo kutanga kuna Ishe teverezvo vakapa kwatiri maererano nokuda kwaMwari.

6. Saka takakumbira zvikuru Tito, kuti sezvaakanga atanga, apedzisewo basa iri renyasha kwamuri.

7. Asi sezvamakapfuurisa pazvinhu zvose, pakutenda, pakutaura, pakuziva, napakushingaira kwose uye nomurudo rwenyu, onaiwo kuti mugonesese munyasha idzi dzokupa.

8. Handizi kukurayirai, asi kuti ndinoda kuedza kutendeka kworudo rwenyu nokukuenzanisa nokushingaira kwavamwe.

9. Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange zvake akanga ari mupfumi, asi nokuda kwenyu akava murombo, kuitira kuti kubudikidza nourombo hwake imi mugopfumiswa.

10. Uye herino zano rangu pane zvichakubatsirai pachinhu ichi: Gore rakapera makava vokutanga kwete pakupa chete asiwo pakuva nechishuvo chokuzviita.

11. Zvino pedzisai basa, kuitira kuti shungu dzenyu dzokuda kuita izvi, dzienzaniswe nokuzvizadzisa kwenyu, maererano napamunogona napo.

12. Nokuti kana chido chiripo, chipo chinogamuchirwa, maererano nezvine munhu, kwete maererano nezvaasina.

13. Chishuvo chedu hachisi chokuti vamwe varerukirwe asi imi muchiremerwa, asi kuti pave nokuenzana.

14. Panguva ino kuwana kwenyu kuchavawanisa zvavanoshayiwa, kuitirawo kuti kuwana kwavo kugokuwanisaiwo zvamunoshayiwa. Ipapo pachava nokuenzana,

15. sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akaunganidza zvakawanda haana kuva nezvakawandisa, uye akaunganidza zvishoma haana kuva nezvishoma shoma.”

Tito anotumwa kuKorinde

16. Ndinovonga Mwari, akaisa mumwoyo maTito hanya seyandinayo kwamuri.

17. Nokuti Tito haana kugamuchira chikumbiro chedu bedzi, asi kuti ari kuuyawo kwamuri nokushingaira kukuru uye nokuda kwake hake.

18. Uye tiri kumutumira kwamuri pamwe chete nehama inorumbidzwa nekereke dzose paushumiri hwevhangeri.

19. Hazvisizvo zvoga, akasarudzwawo nekereke kuti atiperekedze pakutakura chipo, chatiri kundopa kuti tikudze Ishe pachake uye kuti tiratidze shungu dzedu dzokuda kubatsira.

20. Tinoda kuchenjerera kuti kurege kuva nomunhu angatipa mhosva pamusoro pamabatiro atichaita chipo ichi chikuru.

21. Nokuti tiri kuedza kwazvo kuita zvakanaka, kwete pamberi paShe chete asiwo pamberi penyu.

22. Pamusoro pezvo, tiri kutuma hama yedu pamwe chete navo uyo akaratidza kwatiri nenzira dzakawanda kuti anoshingaira, uye zvino kunyanya nokuda kwokuvimba kwake kukuru nemi.

23. Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu nomubati pamwe chete neni pakati penyu; kana dziri hama dzedu, ndivo vamiririri vekereke uye kukudzwa kwaKristu.

24. Naizvozvo ratidzai varume ava chiratidzo chorudo rwenyu uye chikonzero chokuzvirumbidza kwenyu, kuitira kuti kereke dzigogona kuzviona.