Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vakorinde 8:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Nokuti Tito haana kugamuchira chikumbiro chedu bedzi, asi kuti ari kuuyawo kwamuri nokushingaira kukuru uye nokuda kwake hake.

18. Uye tiri kumutumira kwamuri pamwe chete nehama inorumbidzwa nekereke dzose paushumiri hwevhangeri.

19. Hazvisizvo zvoga, akasarudzwawo nekereke kuti atiperekedze pakutakura chipo, chatiri kundopa kuti tikudze Ishe pachake uye kuti tiratidze shungu dzedu dzokuda kubatsira.

20. Tinoda kuchenjerera kuti kurege kuva nomunhu angatipa mhosva pamusoro pamabatiro atichaita chipo ichi chikuru.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vakorinde 8