Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vakorinde 6:9-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. tinozivikanwa tichionekwa setisingazivikanwi; tinofa, asi tichiramba tichirarama, tinorohwa asi hatifi;

10. savanochema, asi tichigara tichifara; savarombo, asi tichipfumisa vazhinji; setisina chinhu, asi tinazvo zvose.

11. Takataura kwamuri pachena, imi vaKorinde, uye takazarura mwoyo yedu kwamuri.

12. Hatisi kukunyimai rudo rwedu, asi imi munotinyima rwenyu.

13. Sokutsinhana kwakanaka, ndinotaura sokuvana vangu, zaruraiwo mwoyo yenyu.

14. Musasungwa zvisina kufanira pajoko rimwe chete navasingatendi. Nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Kana kuti chiedza chingawadzana seiko nerima?

15. Ko, Kristu anganzwanana seiko naBheriari? Ko, mutendi angava nomugove weiko neasingatendi?

16. Ko, temberi yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti tiri temberi yaMwari mupenyu. Sezvakarehwa naMwari, achiti, “Ndichagara pakati pavo ndigofamba navo, uye ndichava Mwari wavo, ivo vagova vanhu vangu.”

17. “ ‘Saka budai mubve pakati pavouye muzvitsaure,’ndizvo zvinotaura Ishe.‘Musabata chinhu chine tsvina,ini ndigokugamuchirai.’ ”

18. “ ‘Ndichava baba venyu,uye imi muchava vanakomana vangu navanasikana vangu,’ndizvo zvinotaura Ishe Wamasimba Ose.”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vakorinde 6