Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vakorinde 6:2-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Nokuti iye anoti,“Ndakakunzwa panguva yenyasha dzangu,uye pazuva roruponeso ndakakubatsira.”Ndinokuudzai, zvino nguva yenyasha dzaMwari, zvino ndiyo nguva yoruponeso.

3. Hatiisi chigumbuso munzira yomunhu, kuti ushumiri hwedu hurege kuzvidzwa.

4. Asi savaranda vaMwari tinozvirumbidza pane zvakanaka munzira dzose: mukutsungirira kukuru; mumatambudziko; kuomerwa, uye nenhamo;

5. mukurohwa, kusungwa nomubope; mukushanda zvakaoma, mukusavata nokushayiwa zvokudya;

6. mukuchena, kunzwisisa, mwoyo murefu nengoni muMweya Mutsvene uye nomurudo rwechokwadi;

7. mushoko rechokwadi uye nomusimba raMwari; nenhumbi dzokurwa nadzo dzokururama kuruoko rworudyi nokuruboshwe,

8. mukukudzwa nomukusakudzwa, muguhu rakaipa neguhu rakanaka; tiri vechokwadi, asi tichionekwa savanyengeri;

9. tinozivikanwa tichionekwa setisingazivikanwi; tinofa, asi tichiramba tichirarama, tinorohwa asi hatifi;

10. savanochema, asi tichigara tichifara; savarombo, asi tichipfumisa vazhinji; setisina chinhu, asi tinazvo zvose.

11. Takataura kwamuri pachena, imi vaKorinde, uye takazarura mwoyo yedu kwamuri.

12. Hatisi kukunyimai rudo rwedu, asi imi munotinyima rwenyu.

13. Sokutsinhana kwakanaka, ndinotaura sokuvana vangu, zaruraiwo mwoyo yenyu.

14. Musasungwa zvisina kufanira pajoko rimwe chete navasingatendi. Nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Kana kuti chiedza chingawadzana seiko nerima?

15. Ko, Kristu anganzwanana seiko naBheriari? Ko, mutendi angava nomugove weiko neasingatendi?

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vakorinde 6