Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vakorinde 13:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Zvino tinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa. Kwete kuti vanhu vaone kuti isu takakunda, asi kuti imi muite zvakarurama kunyange zvedu isu tichiita setakakundikana.

8. Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopikisana nechokwadi, asi chinobatsira chokwadi chete.

9. Nokuti tinofara kana isu tichishayiwa simba asi imi muine simba; uye munyengetero wedu ndowokuti imi mukwaniswe.

10. Ndokusaka ndichinyora zvinhu izvi ndisipo, kuti kana ndauya ndirege kuzoita nehasha pakushandisa simba rangu, simba randakapiwa naIshe kuti ndikuvakei naro, kwete kukuparadzai.

11. Pakupedzisira, hama, chisarai. Shingairai kuti mukwaniswe, teererai kuchikumbiro changu, ivai nomufungo mumwe, garai murugare. Uye Mwari worudo norugare achava nemi.

12. Kwazisanai nokutsvodana kutsvene.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vakorinde 13