Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Vakorinde 13:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Ndokusaka ndichinyora zvinhu izvi ndisipo, kuti kana ndauya ndirege kuzoita nehasha pakushandisa simba rangu, simba randakapiwa naIshe kuti ndikuvakei naro, kwete kukuparadzai.

11. Pakupedzisira, hama, chisarai. Shingairai kuti mukwaniswe, teererai kuchikumbiro changu, ivai nomufungo mumwe, garai murugare. Uye Mwari worudo norugare achava nemi.

12. Kwazisanai nokutsvodana kutsvene.

13. Vatsvene vose vanokukwazisai.

14. Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuwadzana kwoMweya Mutsvene ngazvive nemi mose.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Vakorinde 13