Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Timoti 4:8-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Zvino ndakachengeterwa korona yangu yokururama, yandichapiwa, naIshe, mutongi akarurama pazuva iro, uye kwete ini ndoga, asiwo nokuna vose vanoshuva kuonekwa kwake.

9. Ita napaunogona napo pose kuti ukurumidze kuuya kwandiri,

10. nokuti Dhemasi akada nyika yazvino, akandisiya akaenda kuTesaronika. Kiresenzi akaenda kuGaratia, uye Tito akaenda kuDharimatia.

11. Ruka oga ndiye aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo paushumiri hwangu.

12. Ndakatuma Tikiko kuEfeso.

13. Paunouya, uuye nejasi randakasiya naKapasi paTiroasi, uye uuye nebhuku rangu, zvikuru magwaro amatehwe.

14. Arekizanda, mupfuri wendarira, akandiitira zvakaipa zvizhinji. Ishe achamutsiva pane zvaakaita.

15. Newewo umuchenjerere, nokuti akapikisa zvikuru mashoko edu.

16. Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga, hapana munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kupiwa mhosva nokuda kwaizvozvo.

17. Asi Ishe akamira neni uye akandipa simba, kuti kubudikidza neni shoko riparidzwe zvakakwana uye kuti vaHedheni vose varinzwe. Uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba.

18. Ishe achandirwira kubva pakurwiswa kwose kwakaipa uye achandiuyisa murugare kuumambo hwake hwokudenga. Kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni.

19. Ndikwazisire Pirisira naAkwira neveimba yaOnesifero.

20. Erasito akasara kuKorinde, uye ndakasiya Tirofimo paMireto achirwara.

21. Ita napaunogona napo pose kuti uuye kuno chando chisati chasvika. Yubhuro anokukwazisa, uyewo naPudhenzi, naRino, naKiraudhiyo uye nehama dzose.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Timoti 4