Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4

Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Timoti 1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, maererano nechipikirwa choupenyu huri muna Kristu Jesu,

2. Kuna Timoti mwanakomana wangu anodikanwa:Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu, Ishe wedu.

An okurudzirwa kuti ave akatendeka

3. Ndinovonga Mwari, wandinoshumira sezvakaitwa namadzitateguru angu, nehana yakachena, sezvo ndichikurangarira muminyengetero yangu usiku namasikati.

4. Ndichirangarira misodzi yako, ndinoshuva kukuona, kuti ndigozadzwa nomufaro.

5. Ndinoyeuchidzwa kutenda kwako kusinganyengeri, kwakanga kuri muna mbuya vako Roisi uye nomuna mai vako Yunisi pakutanga, uye zvino ndinoziva kuti kunogarawo mauri.

6. Nokudaro ndinokuyeuchidza kuti ukuchidzire chipo chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamaoko angu pamusoro wako.

7. Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, noworudo nowokuzvidzora.

8. Saka usanyadziswa nokupupura Ishe wedu, kana kunyadziswa neni musungwa wake. Asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kwevhangeri, nesimba raMwari,

9. akatiponesa uye akatidanira kuupenyu hutsvene, kwete nokuda kwechinhu chatakaita asi kuti nokuda kwake iye, uye nenyasha. Nyasha idzi takadzipiwa muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo,

10. asi zvino dzakaratidzwa nokuonekwa kwoMuponesi wedu Kristu Jesu, akaparadza rufu uye akabudisa pachena upenyu nokusafa kubudikidza nevhangeri.

11. Uye ndakaitwa muparidzi, mupostori nomudzidzisi wevhangeri iri.

12. Ndokusaka ndichitambudzika sezvandiri kuita. Asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndinoziva kwazvo kuti anogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva iroro.

13. Zvawakanzwa kubva kwandiri, zvichengete sedzidziso yechokwadi, nokutenda norudo muna Kristu Jesu.

14. Chengetedza chakanaka chiri mauri chawakapiwa, chichengetedze uchibatsirwa naMweya Mutsvene anogara matiri.

15. Unoziva kuti vose vari mudunhu reEzhia vakandisiya, kusanganisirawo naFigero naHerimogene.

16. Ishe ngaaitire imba yaOnisifero ngoni, nokuti kazhinji anondisimbisa uye haana kunyadziswa nengetani dzangu.

17. Asi kutoti, paakanga ari muRoma, akanditsvaga kwazvo kusvikira andiwana.

18. Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kubva kuna Ishe pazuva iro! Iwe unoziva kwazvo kuti akandibatsira zvikuru sei muEfeso.