Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Petro 3:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Vachati, “Kuripiko ‘kuuya’ kwaakavimbisa? Kubvira pakufa kwakaita madzibaba edu, zvinhu zvose zvinoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakusikwa kwenyika.”

5. Asi vanokanganwa nobwoni kuti kare neshoko raMwari denga raivapo uye nyika yakaumbwa ichibva mumvura uye yakaitwa nemvura.

6. Nemvura zhinji iyoyi, nyika yenguva iyoyo yakamedzwa uye ikaparadzwa.

7. Neshoko rimwe chete irori denga riripo zvino nenyika zvakachengeterwa moto, zvakachengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.

8. Asi musakanganwa chinhu chimwe chete ichi, hama dzangu, kuti: Kuna Ishe zuva rimwe chete rakaita sechiuru chamakore, uye chiuru chamakore chakaita sezuva rimwe chete.

9. Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke.

10. Asi zuva raIshe richauya sembavha. Matenga achapfuura nokutinhira; zvirimo zvichaparadzwa nomoto, uye nyika nezvose zviri mairi zvichabudiswa pachena.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Petro 3