Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Petro 1:10-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Naizvozvo, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti muite kuti kudanwa kwenyu nokusanangurwa kwenyu kusimbe. Nokuti kana muchiita zvinhu izvi, hamungatongogumburwi,

11. nokuti muchagamuchirwa nomufaro mukuru muumambo husingaperi hwaIshe noMuponesi wedu Jesu Kristu.

12. Saka ndicharamba ndichikuyeuchidzai zvinhu izvi, kunyange zvazvo muchizviziva uye makanyatsosimba muchokwadi chamunacho zvino.

13. Ndinofunga kuti zvakanaka kuti ndimutse ndangariro dzenyu ndichiri mutende romuviri uno,

14. nokuti ndinoziva kuti ndichakurumidza kuibvisa, sezvandakaratidzwa pachena naIshe wedu Jesu Kristu.

15. Uye ndichashingaira kuti ndione kuti shure kwokuenda kwangu mucharamba muchirangarira zvinhu izvi.

16. Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nouchenjeri patakakuudzai nezvesimba uye nokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri zvapupu zvakaona kubwinya kwake.

17. Nokuti akagamuchira kukudzwa nokubwinya kwakabva kuna Mwari Baba pakauya inzwi kwaari richibva kudenga mukubwinya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda; wandinofarira kwazvo.”

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Petro 1