Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Petro 1:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Simoni Petro, muranda nomupostori waJesu Kristu,Kuna vaya vakagamuchira kutenda kunokosha sokwedu, kubudikidza nokururama kwaMwari wedu noMuponesi wedu Jesu Kristu:

2. Nyasha norugare ngazvive nemi, zviwande kubudikidza nokuziva kwaMwari nokwaJesu Ishe wedu.

3. Simba rake dzvene rakatipa zvinhu zvose zvatinoda zvoupenyu uye noumwari kubudikidza nokumuziva kwedu iye akatidana nokubwinya nokunaka kwake chaiko.

4. Kubudikidza naizvozvo, akatipa zvipikirwa zvake zvikuru kwazvo zvinokosha kuti nazvo, mugone kugoverwa umwari uye mugotiza kuora kwomunyika kunouyiswa nokuchiva.

5. Nokuda kwaizvozvi, shingairai kuti muwedzere kunaka pakutenda kwenyu; uye pakunaka, muwedzere kuziva;

6. napakuziva muwedzere kuzvidzora; napakuzvidzora, muwedzere kutsungirira; napakutsungirira, muwedzere umwari;

7. napaumwari muwedzere kuda vatendi; napakuda vatendi, muwedzere rudo.

8. Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanda, zvichakuitai kuti musava nousimbe uye musingashayiwi zvibereko mukuziva kwenyu Ishe wedu Jesu Kristu.

9. Asi kana munhu asina zvinhu izvi, anoona zviri pedyo uye ibofu, uye akanganwa kuti iye akanatswa pazvivi zvake zvakare.

10. Naizvozvo, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti muite kuti kudanwa kwenyu nokusanangurwa kwenyu kusimbe. Nokuti kana muchiita zvinhu izvi, hamungatongogumburwi,

11. nokuti muchagamuchirwa nomufaro mukuru muumambo husingaperi hwaIshe noMuponesi wedu Jesu Kristu.

12. Saka ndicharamba ndichikuyeuchidzai zvinhu izvi, kunyange zvazvo muchizviziva uye makanyatsosimba muchokwadi chamunacho zvino.

13. Ndinofunga kuti zvakanaka kuti ndimutse ndangariro dzenyu ndichiri mutende romuviri uno,

14. nokuti ndinoziva kuti ndichakurumidza kuibvisa, sezvandakaratidzwa pachena naIshe wedu Jesu Kristu.

15. Uye ndichashingaira kuti ndione kuti shure kwokuenda kwangu mucharamba muchirangarira zvinhu izvi.

16. Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nouchenjeri patakakuudzai nezvesimba uye nokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri zvapupu zvakaona kubwinya kwake.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Petro 1