Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vatesaronika 5:22-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Regai zvakaipa zvose.

23. Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.

24. Iye anokudanai akatendeka uye achazviita.

25. Hama, tinyengeterereiwo.

26. Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene.

27. Ndinokurayirai pamberi paIshe kuti tsamba iyi iverengerwe hama dzose.

28. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vatesaronika 5