Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vatesaronika 5:14-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose.

15. Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose.

16. Farai nguva dzose;

17. rambai muchinyengetera;

18. vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.

19. Musadzima moto woMweya;

20. musazvidza zviprofita.

21. Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka.

22. Regai zvakaipa zvose.

23. Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.

24. Iye anokudanai akatendeka uye achazviita.

25. Hama, tinyengeterereiwo.

26. Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene.

27. Ndinokurayirai pamberi paIshe kuti tsamba iyi iverengerwe hama dzose.

28. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vatesaronika 5