Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vatesaronika 4:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pakupedzisira, hama, takakurayirai kuti munofanira kurarama sei kuitira kuti mugofadza Mwari, sezvamuri kurarama. Zvino tinokukumbirai uye tinokukurudzirai muna She Jesu kuti murambe muchiita izvi uye muchiwedzera.

2. Nokuti munoziva zvatakakurayirai nesimba raIshe Jesu.

3. Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene:

4. kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa,

5. asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari;

6. uye kuti pane izvozvi parege kuva nomunhu anotadzira hama yake kana kumutorera chinhu. Ishe acharanga vanhu nokuda kwezvivi zvakadaro zvose, sezvatakakuudzai kare uye tikakuyambirai.

7. Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuti tirarame upenyu hutsvene.

8. Naizvozvo, uyo anoramba kurayira uku haasi kuramba munhu asi Mwari, iye anokupai Mweya wake Mutsvene.

9. Zvino kana rwuri rudo kuhama, hatitsvaki kukunyorerai, nokuti imi pachenyu makadzidziswa naMwari kuti mudanane.

10. Uyezve, munoda hama dzose muMasedhonia yose. Asi tinokukurudzirai, hama, kuti muite izvozvo uye muchiwedzera.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vatesaronika 4