Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vatesaronika 3:5-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Nokuda kwaizvozvo, pandakanga ndisisagoni kutsunga, ndakatuma shoko kuti ndizive nezvokutenda kwenyu. Ndakatya kuti zvimwe muedzi angadaro akakuedzai uye kubata kwedu kwakava pasina.

6. Asi Timoti achangosvika kwatiri zvino achibva kwamuri uye akauya namashoko akanaka ezvokutenda kwenyu norudo rwenyu. Akatiudza kuti munogara muchifunga zvakanaka nezvedu uye kuti munoshuva kutiona, sezvatinoshuva nesuwo kukuonai.

7. Naizvozvo, hama, mukutambudzika kwedu kwose uye nokutambudzwa kwedu, takakurudzirwa pamusoro penyu nokuda kwokutenda kwenyu.

8. Nokuti zvino tiri vapenyu chose, sezvo imi mumire nesimba muna She.

9. Tichavonga Mwari zvizere sei nokuda kwenyu kuti tidzorere mufaro wose watinawo pamberi paMwari wedu nokuda kwenyu?

10. Usiku namasikati tinonyengetera zvikuru kuti tikuoneizve uye kuti tizadzise zvinotayira pakutenda kwenyu.

11. Zvino Mwari wedu, Baba pachavo naIshe wedu Jesu ngavatizarurire nzira kuti tiuye kwamuri.

12. Ishe ngaakurise rudo rwenyu uye rupfachukire kuno mumwe nomumwe nokuvanhu vose, sezvinoita rwedu kwamuri.

13. Ngaasimbise mwoyo yenyu kuitira kuti mushayiwe chamunopomerwa uye muve vatsvene pamberi paMwari wedu naBaba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu navatsvene vake vose.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vatesaronika 3