Asi Timoti achangosvika kwatiri zvino achibva kwamuri uye akauya namashoko akanaka ezvokutenda kwenyu norudo rwenyu. Akatiudza kuti munogara muchifunga zvakanaka nezvedu uye kuti munoshuva kutiona, sezvatinoshuva nesuwo kukuonai.