Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 7:4-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Muviri womukadzi hauzi wake oga asi kuti ndowomurume wakewo. Zvimwe chetezvo, muviri womurume hauzi wake oga asi kuti ndowomukadzi wakewo.

5. Musanyimana, kunze kwokunge matenderana uye kwenguva duku, kuti mumbova nenguva yokunyengetera. Mushure mezvo mosanganazve kuitira kuti Satani arege kukuedzai pakusazvidzora kwenyu.

6. Ndinotaura izvi ndichikutenderai, kwete somurayiro.

7. Ndinoshuva kuti dai vanhu vose vakaita seni. Asi munhu mumwe nomumwe ane chipo chake chaakapiwa naMwari; mumwe ane chipo ichi mumwe ane icho.

8. Zvino kune vasina kuwana nechirikadzi ndinoti: Zvakanaka kwavari kuti vasawana, sezvandiri.

9. Asi kana vasingagoni kuzvidzora, vanofanira kuwana, nokuti zviri nani kuwana pane kutsva.

10. Kuna vakawana ndinopa murayiro uyu (kwete ini, asi Ishe): Mukadzi ngaarege kuparadzana nomurume wake.

11. Asi kana akabva, ngaarege kuzowanikwazve, kana kuti ngaayanane nomurume wake. Uye murume haafaniri kuramba mukadzi wake.

12. Kuna vamwe vose ndinoti (ini kwete Ishe): Kana hama ino mukadzi asingatendi uye mukadzi achida hake kugara naye, haafaniri kumuramba.

13. Uye kana mukadzi ane murume asingatendi uye murume achida hake kugara naye, haafaniri kumuramba.

14. Nokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene nokuda kwomukadzi wake, uye mukadzi asingatendi anoitwa mutsvene kubudikidza nomurume wake anotenda. Vana venyu vaizova netsvina, asi zvino vava vatsvene.

15. Asi kana asingatendi akaenda, murege aende hake. Murume kana mukadzi anotenda haana kusungwa pakadai; Mwari akatidana kuti tigare murugare.

16. Nokuti iwe mukadzi unoziva seiko, kana uchaponesa murume wako? Kana, kuti iwe murume unoziva seiko, kana uchaponesa mukadzi wako?

17. Zvisinei hazvo, mumwe nomumwe ngaararame upenyu hwaakagoverwa naIshe uye hwaakadanirwa naMwari. Izvi ndizvo zvandinorayira mukereke yose.

18. Ko, munhu akadanwa atodzingiswa kare here? Ngaarege kuitwa asina kudzingiswa. Ko, munhu akadanwa asina kudzingiswa here? Ngaarege kudzingiswa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 7